Makanditsvaga Lyrics
- Genre:Pop
- Year of Release:2020
Lyrics
Kana vakanyatsa kundibvunzurudza
Seiko Rangarirai urihurudza
Ipapo ndipo ndichavaudza kuti dzingori nyasha dzaMwari Baba
Nyasha dzakawanzurudzwa
Semvura yekudenga dzinoturuka
Isuwaridzewo pandichamuka
Kana kutsumwaira ndopepuka zvashanduka
Baba ndaungudza
Ndinokumbira simba rekufamba pasina kudududza
Zvinonditambudza
Ngazvipere zvinondishungurudza
Zvandaiva hwai yakarasika
Makanditsvaga ndokundidzosera mudanga
Muchiri kundifudza
Mufudzi wakanaka
Mufudzi wemoyo munyoro
Makaziva kusimuka nekugara kwangu
Makaziva kusimba nehutera hwangu
Hamuna kuringa kupfuma kana kuromboka kwangu
Zita renyu ngarirumbidzwe ndimi Baba vangu
Bvisaiwo ichi chirimandiri
Chinoti inini handigutsikane
Nekuti imimi kana Samatenga mada
Ndirimukundi kwete mukundikani
Inzwaiwo hama vadikani
Zvatakaitirwa naMwari zvingani
Handishupikani
Handikundikani
Baba ndaungudza
Ndinokumbira simba rekufamba pasina kudududza
Zvinonditambudza
Ngazvipere zvinondishungurudza
Zvandaiva hwai yakarasika
Makanditsvaga ndokundidzosera mudanga
Muchiri kundifudza
Mufudzi wakanaka
Mufudzi wemoyo munyoro
Kana vakanyatsa kundibvunzurudza
Seiko Rangarirai urihurudza
Ipapo ndipo ndichavaudza kuti dzingori nyasha dzaMwari Baba
Nyasha dzakawanzurudzwa
Semvura yekudenga dzinoturuka
Isuwaridzewo pandichamuka
Kana kutsumwaira ndopepuka zvashanduka
Baba ndaungudza
Ndinokumbira simba rekufamba pasina kudududza
Zvinonditambudza
Ngazvipere zvinondishungurudza
Zvandaiva hwai yakarasika
Makanditsvaga ndokundidzosera mudanga
Muchiri kundifudza
Mufudzi wakanaka
Mufudzi wemoyo munyoro
Makaziva kusimuka nekugara kwangu
Makaziva kusimba nehutera hwangu
Hamuna kuringa kupfuma kana kuromboka kwangu
Zita renyu ngarirumbidzwe ndimi Baba vangu
Bvisaiwo ichi chirimandiri
Chinoti inini handigutsikane
Nekuti imimi kana Samatenga mada
Ndirimukundi kwete mukundikani
Inzwaiwo hama vadikani
Zvatakaitirwa naMwari zvingani
Handishupikani
Handikundikani
Baba ndaungudza
Ndinokumbira simba rekufamba pasina kudududza
Zvinonditambudza
Ngazvipere zvinondishungurudza
Zvandaiva hwai yakarasika
Makanditsvaga ndokundidzosera mudanga
Muchiri kundifudza
Mufudzi wakanaka
Mufudzi wemoyo munyoro