
Ijipita Lyrics
- Genre:Reggae
- Year of Release:2022
Lyrics
Ijipita - Winky D
...
gafa gafa
gafa zvekare jusa
pandinomuka mangwanani
ndinozvitarisa pagirazi
hakuna ini Ari nane
mangwana ngaasiyane nanhasi
kutsvaga manake
kuti mhuri irarame
aiwa harisi dambe
ndatemba tsoka Rega ndifambe
bvisai rima pangu
isai chiedza ndifambe zvangu
upenyu ndishande hwangu
ndakanda nhanho ndabvisa shangu
ijipita ijipita
ijipita ijipita
bye bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda tapinda
ijipita ijipita
ijipita ijipita
bye bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda tapinda
tava kusiya musha kufamba mamaira
vakomana kuchikaira
ndabvunza zviri mberi hakuna adaira
totungamirwa nepasi ndipe mhiko iya
zvinodzimba ASI Rega ndireve
ukasadikitira hauseve
tavakutsvaga zvakafa zvega
kuvhima kweasina uta nemuseve
ndoenda ndoenda
ndoenda ndoenda
ndoenda ndega kusina mhai
ndoenda ndoenda
ndoenda ndoenda
handina mufudzi ndingori hwai
bvisai rima pamberi pangu
isai chiedza ndifambe zvangu
upenyu ndishande hwangu
ndakanda nhanho ndabvisa shangu
ijipita ijipita
ijipita ijipita
bye bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda tapinda
ijipita ijipita
ijipita ijipita
bye bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda tapinda
upenyu makata
hausi mutserendende
ukaramba wavata
ndiyani achavhara vende
pane vamwe chingomira Mira
kumavave kumbononwira nwira
panganai zano monoteya Riva
ndafunga kuyambuka ini ndobira dziva
ndoenda ndoenda
ndoenda ndoenda
ndoenda ndega kusina mhai
ndoenda ndoenda
ndoenda ndoenda
handina mufudzi ndingori hwai
bvisai rima pamberi pangu
isai chiedza ndifambe zvangu
upenyu ndishande hwangu
ndakanda nhanho ndabvisa shangu
ijipita ijipita
ijipita ijipita
bye bye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda tapinda
ijipita ijipita
ijipita ijipita
byebye ndakukanda nhanho
Canaan tapinda tapinda
ndapinda Canaan
kupinda ini ndapinda Canaan
ndapinda Canaan
aiwa ini ndapinda