Ndibate ft. Kim Makumbe Lyrics
- Genre:Others
- Year of Release:2024
Lyrics
Kukupa moyo wangu handina matyira;
Wangondiudza kuti unondida
Pauri ndinoperera
Yangu ihana nhete, yakareruka
Inoda moyo murefu ingatsemuka
Pandinochema batika
Ndiudze chinofadza moyo wako
Ndiudze chinozadza pfungwa dzako
Uone ndinozadzisa
Ndiudze chinozadza rudo rako
Ndiudze chinofadza moyo wako
Uone ndinozadzisa
Ndibate
Ndigare
Ndakasarudza iwe
Ndapikira kungoda Iwewe uriwega
Ndibatee
Iwewe neni
Ndakasarudza iwe,
Ndapikira kungoda iwewe uriwega
Hooo eeh eee
Ukandipa moyo wako zvisina matyira
Unechokwadi here ungadida aaaah
Muti pawamerera
Ukati ndini chete wawasarudza
Pasina umwe munhu angaparadza
Ndinogona kukuda
Ndikuudze chinofadza moyo wangu
Ndikuudze chinozadza pfungwa dzangu
Hauzondirwadzisa
Ndikuudze chinozadza rudo rwangu
Ndikuudze chinofadza moyo wangu
Hauzondirwadzisa
Ndibate
Ruoko
Ndigare
Tiende
Ndakasarudza iwe
Ndapikira kungoda Iwewe uriwega
Ndibatee
Ruoko
Iwewe neni
Tiende
Ndakasarudza iwe,
Ndapikira kungoda iwewe uriwega
Angava madekwani
Kana mangwanani
Ngomatiti rerudo iri ndingaripa ani
Aiwa baba vako vakabereka ma1
Kana mai vako ndovabvisira nguwani
I know I know I know
Unondida
I know I know I know
Unondida
Wakandida kubva kudhara hauna kuzomboshanduka shaa
Ndibate
Ruoko
Ndigare
Tiende
Ndakasarudza iwe
Ndapikira kungoda Iwewe uriwega
Ndibatee
Ruoko
Iwewe neni
Tiende
Ndakasarudza iwe,
Ndapikira kungoda iwewe uriwega