
Tamba Newako ft. Maggie Soul Bird & Robbin Lace Lyrics
- Genre:World Music/Folklore
- Year of Release:2024
Lyrics
Wazvipinza mudambudziko
Tamba newako
Kuzvipinza muna taisireva
Wakashora zvekwako
Ukati zvirinane
Usiye zvekwako umbotamawo nezvevamwe
Wayifunga kuti uchawana anotapirira
Mukambofarafara muchitombonakidzwa
Asi zve chisi hachiyeri musi wacharimwa
Vaiona, vaiona nhasi zvazoti bvu -pachena
Zvino wayanikwa pachena washayiwa pekuti whande
Wazvipinza mudambudziko
Tamba newako
Kuzvipinza muna taisireva
Aripo akanyangira tichamuti Nikodimo kutaura zita kunganetsa
Akaona mutambo musi adongorera
Daro ndokumhanya koipira kumurume wacho
Kunyatsoiti donongo
Apedza zvake Nikodimo ndiye uyo hutu
Akarowa bvandabvandangu kusiya abvongodza
Rume rikati ririri madziso akabvira
Akati hatahata nehasha ndokuisimukira
Wazvipinza mudambudziko
Tamba newako
Kuzvipinza muna taisireva
Chitaurirwa hunyimwa, mbare dzekumusana
Rume rikati ndonozvionera – ndiro pfacha
Svikei ndokuchingamidzwa nemufaro wechikuru
Rume rakadya marasha
Iwe wakazongoti hwatahwata madziso boi boi boi boi
Wazvipinza mudambudziko
Tamba newako
Kuzvipinza muna taisireva