Tinyepane Lyrics
- Genre:Afrofusion
- Year of Release:2023
Lyrics
Tinyepane - Sungano Chimedza
...
Vhara gonhi tinyepane kani
Mudhuri une nzeve unozviziva wani
Vanhu vekuno havabviri kuzvitsvaka
Nguva ino totounganidza ivhu repachuru-u
Vhara gonhi tinyepane kani, tinyepane
Mudhuri une nzeve unozviziva wani, mudikani
Vanhu vekuno havabviri kuzvitsvaka
vavakidzani
Nguva ino totounganidza ivhu repachuru, nemurakwane
Huya tipangane nguvai ichipo torega kumhanyidzana
Kumarana marana sematiro, ndezveupwere hama yangu
Patinodya munyorondoga vachashuwa kani
maivepi vamwe
Kuyeuka bako maniwa-a
tafamba chinhambwe

Usazoshama vanokunda vokunda-a
uyo anobudirira wobudirira ka
Uyo ane mari woita mari-i
Saka vanotonga vachitonga
Usazoshama vanokunda vokunda-a
uyo anobudirira wobudirira ka
Uyo ane mari woita mari-i
Saka vanotonga vachitonga
Tinyepane
Mudikani
Ivava vavakidzani
Nemurakwane
Mwachewe-e ha-a
Unopachema chete
Mwachewe-e ha-a
Vakoma ha-a
Zvinonetsa vakoma
Tarisawo upenyu mambara inhinhi
Kugona tsoro huyirongera
Kukomba churu kukomba-a
Nzwisisa nyaya kwainobva nekwainoenda
Tarisawo upenyu mambara inhinhi
Kugona tsoro huyirongera
varume rongai
Kukomba churu kukomba-a
namukoma Kombai
Nzwisisa nyaya kwainobva nekwainoenda hanzvadzi nzwisisai
Kukomba churu kukomba-a
namukoma Kombai
Nzwisisa nyaya kwainobva nekwainoenda hanzvadzi nzwisisai
Tarisawo upenyu mambara inhinhi
Kugona tsoro huyirongera
varume rongai
Kukomba churu kukomba-a namukoma Kombai
Nzwisisa nyaya kwainobva nekwainoenda hanzvadzi nzwisisai
Kukomba churu kukomba-a namukoma Kombai
Nzwisisa nyaya kwainobva nekwainoenda hanzvadzi nzwisisai
Tinyepane
Mudikani
Vavakidzani
Nemurakwane
Tinyepane
Mudikani