Pandakuona Lyrics
- Genre:Pop
- Year of Release:2023
Lyrics
Ndini ndamuwana
Akamira ega, hoyo wauya mukana
Ane chiso chakanaka mhoro muskana
Ndine pfungwa dzakawanda dai wandiona
Cheuka cheuka iwe
Kure Kure
Kwandinobva shiri dzinoimba Hurekure
Mumakomo tizere nemichero, Hubva Hute iwe
Kana sadza hari haiperi, huya tidye
Huya iwewe
Ooh Pandakuona
Ndazvipira ndichakutora
Ooh Pandakuona
Ndazvipira ndichakutora
Dzawira mutswanda
Usatya huya pedyo bata yako hana
Moyo wangu washuva kutumbutsa ukama newe
Usafunga dzikisa rutawa
Kubva zvino handichada kuva kure
Kure Kure
Kwandinobva, shiri dzinoimba Hurekure
Mumakomo, tizere nemichero, Hubva Hute iwe
Kana sadza hari haiperi, huya tidye
Huya iwewe
Ooh Pandakuona
Ndazvipira ndichakutora
Ooh Pandakuona
Ndazvipira ndichakutora
Kubva zvino handichada kuva kure
Kure Kure Kure Kure Eh mmh
Ndazvipira ndichakutora
Ooh Pandakuona
Ndazvipira ndichakutora