Tinotendera Mwari Lyrics
- Genre:Gospel
- Year of Release:2023
Lyrics
Tinotendera Mwari Baba vana masimba ose
Mwari Baba vana masimba ose
Musiki wedenga napasi
Tinotendera Yeso Kristo
Mwana wake mumwechete Mambo wedu
Akazvarwa naMaria Muvirigo
Nesimba raMweya Mutsvene
Akatongerwa kutambudzika naPonziyo Pirato
Akarovererwa pachipiyaniso
Akafa akavigwa
Akaenda kuvafi
Akamuka nezuva retatu
Akakwira kudenga
Kwaagere kurudyi rwaMwari Baba
Vana masimba ose
Achabvako kuzotonga vapenyu navafi
Akakwira kudenga
Kwaagere kurudyi rwaMwari Baba
Vana masimba ose
Achabvako kuzotonga vapenyu navafi
Tinotendera Mweya Mutsvene
Kirike Sande Katorike
Kubatana kwavaSande
Kuregererwa kwamatadzo
Nokumuka kwomuviri
Norupenyu rusingaperi Amen