Vane Nhema Lyrics
- Genre:Others
- Year of Release:2022
Lyrics
Haiyooo yere yere yere yere yere
Haiyooo yere yere yere yere yere
Muzaya wangu nyatsotereera
Dzikamisa hana
Ndikurume nzveve
Ini ambuya vako ini ndakwegura
Izwi rangove zeve zeve
Ini ambuya vako ini ndakwegura
Izwi rangove zeve zeve
Mukaka uchiripamhinho
Saka ziva pasi panodya
Zino irema uchazvionera pamhino sefodya
Zino irema uchazvionera pamhino sefodya
Ukanzwa achiuya pano achiti
Ndide ndichakuchengeta
Wonzwa zve oti ngatitambe
Chamunyurududu ndinokuroora
Haa ane nhema uyo
Iwe usazvitereere
Hee akateya uyo
Iwe usazvinyepere
Pachasunga upenyu pane
Achakukwenya kuti fambira
Hanzi unemunyama
Tora zakwatira ka undorasira
Haa vane nhema
Iwe usazvifurira
Haa vakaromba ava
Iwe usazvitambira
Haiyooo yere yere yere yere yere
Ukanzwa voporofita
Vodedemura shoko
Vachiti vanemweya
Hanzi kunodiwa ropa iro
Remuteuro mubvise zvigumbu
Hanzi ndoda mombe imwe kana
Mbudzi mbiri ndisati ndatanga
Zvonzi imwa ichi
Mwaya ichi
Shambai mhuri yese
Unoziva zvako kuti ugere
Nemhondi yakabvise danga
Asi vanoti shingirira
Mukadzi kwaye haafukuri hapwa
Haa vane nhema ava
Iwe usazvitereere
Hee vakateya avo
Iwe usazvinyenpere
Hanzi tine simba ka rekuenda
Kudenga kunodya naMwari
Apo mukurumbira wavo ndewe
Kudoma kuti achafa ndiyani
Haa vane nhema ava
Iwe usazvifurira
Haa vakaromba ava
Iwe usazvitambira
Tenzi wangu ndichengetei kubva
Kuvavengi vanonyemwerera asi
Vakaviga uta memiseve muhapwa
Ishe wangu ndiberekei
Paye parumananzombe
Pandisingakwanisa kupfuura
Zvibingamupinyi munzira
Ndifukidzei
Ndisesedzei
Ndinzvengesei
Ndisimudzei
Ndisimbisei
Ndigonesei
Ndifukidzei
Ndisesedzei
Ndinzvengesei
Ndisimudzei
Ndisimbisei
Ndigonesei
Ndifukidzei
Ndifukidzei
Ndinzvengesei
Ndisimudzei
Ndisimudzei
Ndigonesei
Haiyooo yere yere yere yere yere
Haiyooo yere yere yere yere yere
Muzaya wangu nyatsotereera
Dzikamisa hana
Ndikurume nzveve
Ini ambuya vako ini ndakwegura
Izwi rangove zeve zeve
Mukaka uchiripamhinho
Saka ziva pasi panodya
Zino irema
Uchazvionera pamhino sefodya
Zino irema
Uchazvionera pamhino sefodya
Zino irema
Uchazvionera pamhino sefodya
Zino irema
Uchazvionera pamhino sefodya
Zino irema
Uchazvionera pamhino sefodya