Taxi driver Lyrics
- Genre:World Music/Folklore
- Year of Release:1985
Lyrics
Nhai taxi driver kani ndiraturire
Murume wangu anouya pano achitsvakeiko
Chaanotsvaka ndiwe chete unozviziva
Ndakazvinzwa nevanotapa nhau munyika muno
Nhai taxi driver kani ndiudzewo
Ukandiudza ndichakupa mari shamwari yangu
Murume wangu anouya pano ananiko
Ndakazvinzwa zvichirehwa muno mumaraini
Nhai taxi driver kani washinga here
Kana chiri chokwadi chete ndinomuramba
Ndiri too smart kumirira tsvina yakadai
Hameno zvavo vakapusa vanozvidawo
Va taxi driver handidi kukuona zvakare futi pano imi. Ndimi munouya muchitora murume wangu mazuva ose hamunyare
Aa madzoka futi va taxi driver hamunyare mauya kuzotora murume wangu zvekare Ndozvamunodzi dhiraivhira taxi idzodzo kana kuti munoita zvebasa hee
Ndiudzewo zvako nhai taxi driver
Ndiye here chaiye nhai taxi driver
Waunotora pano nhai taxi driver
Achivinga iye nhai taxi driver
Nduiudzewo taxi driver
Ndiwe unozviziva
Ndiudzewo taxi driver
Ndiwe mutumw wacho
Ndiudzewo taxi driver
Iwe wakatipwa kare